Isaiah 65

Kutongwa noRuponeso

1“Ndakazviratidza kuna avo vasina kundibvunza;
ndakawanikwa neavo vasina kunditsvaka.
Kurudzi rwakanga rusina kudana kuzita rangu
ndakati, ‘Ndiri pano, ndiri pano.’
2Zuva rose ndakatambanudzira maoko angu
kurudzi rwakasindimara,
vanofamba munzira dzisina kunaka
vachitevera zvavanofunga,
3vanhu vanogara vachindigumbura
ipo pamberi pangu chaipo,
vachibayira zvibayiro pamapindu
uye vachipisira zvinonhuhwira paaritari dzezvitinha;
4vanogara pakati pamarinda
uye vanopedza usiku hwavo vachinyengetera vari munzira yakavanda:
vanodya nyama yenguruve,
uye hari dzavo dzine furo renyama yakasvibiswa;
5vanoti, ‘Gara kure; usaswedera pedyo neni,
nokuti ndiri mutsvene kupfuura iwe.’
Vanhu vakadaro utsi mumhuno dzangu,
moto unoramba uchipfuta zuva rose.

6“Tarirai, zvakanyorwa pamberi pangu zvinoti:
Handinganyarari asi ndicharipira zvakazara;
ndichazviripa pamakumbo avo,
7zvakaipa zvenyu nezvamadzibaba enyu,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Nokuti vakapisira zvibayiro pamusoro pezvikomo,
ndichayera pamakumbo avo
muripo wakazara wamabasa avo akare.”
8Zvanzi naJehovha:

“Sezvazvakangoita kana musvi uchiri kuwanikwa musumbu ramazambiringa
uye vanhu vachiti, ‘Musauparadza, muchine zvakanaka mauri,’
saizvozvo ndizvo zvandichaitira varanda vangu;
handingavaparadzi vose.
9Ndichabudisa marudzi kuna Jakobho,
uye nokubva kuna Judha avo vachatora makomo angu;
vasanangurwa vangu vachagara nhaka,
uye varanda vangu vachagara ikoko.
10Sharoni richava mafuro amakwai,
uye Mupata weAkori uchava uvato hwemombe
dzavanhu vangu vanonditsvaka.

11“Asi kana murimi munosiya Jehovha
uye munokanganwa gomo rangu dzvene,
munowaridzira Rombo Rakanaka tafura,
uye munozadza zvirongo newaini yakavhenganisirwa Magumo,
12ndichakuendesai kumunondo,
uye mose muchakotamira pasi kuti mubayiwe,
nokuti ndakadana asi hamuna kudavira,
ndakataura asi hamuna kuteerera.
Makaita zvakaipa pamberi pangu
mukasarudza zvisingandifadzi.”

13Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha:
“Varanda vangu vachadya,
asi imi muchanzwa nzara;
varanda vangu vachanwa,
asi imi muchava nenyota;
varanda vangu vachafara,
asi imi muchanyadziswa.
14Varanda vangu vachaimba zvichibva mumufaro wemwoyo yavo,
asi imi muchachema nokurwadziwa nemwoyo
uye muchaungudza mukupwanyika kwomweya.
15Muchasiyira zita renyu
kuvasanangurwa vangu sechituko;
Ishe Jehovha achakuurayai,
asi achapa varanda vake rimwe zita.
16Ani naani achati nyika iropafadzwe
achazviita naMwari wechokwadi;
ani naani achaita mhiko munyika
achapika naMwari wechokwadi.
Nokuti matambudziko akare achakanganwikwa,
uye achavanzirwa meso angu.

Matenga Matsva neNyika Itsva

17“Tarirai, ndichasika
matenga matsva nenyika itsva.
Zvinhu zvakare hazvichazorangarirwi,
kana kuuya mundangariro.
18Asi farai mupembere nokusingaperi
mune zvandichasika,
nokuti ndichasika Jerusarema kuti rifadze
uye kuti vanhu varo vave mufaro.
19Ndichapembera pamusoro peJerusarema,
uye ndichafarira vanhu vangu;
maungira okuchema kana kurira
haachazonzwikwazve imomo.

20“Mariri hamungazovazve
nomucheche achararama mazuva mashoma shoma,
kana mutana asingasvitsi makore ake okurarama;
uyo anofa ane zana ramakore
achangotorwa somujaya;
uyo anotadza kusvika pazana ramakore
achatorwa sowakatukwa.
21Vachavaka dzimba vagogara madziri;
vachadyara mazambiringa vagodya michero yawo.
22Havachazovakazve dzimba dzinozogarwa navamwe,
kana kudyara vamwe vachizodya.
Nokuti sezvakaita mazuva omuti,
ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu;
vasanangurwa vangu vachafara kwenguva refu
mumabasa amaoko avo.
23Havachazoshandira pasina
kana kubereka vana vanoparadzwa;
nokuti vachava vanhu vakaropafadzwa naJehovha,
ivo nezvizvarwa zvavo.
24Vasati vadana ndichavapindura;
vachiri kutaura ndichavanzwa.
25Bumhi negwayana zvichafura pamwe chete,
uye shumba ichadya uswa senzombe,
asi guruva richava chokudya chenyoka.
Hazvichazokuvadza kana kuparadza
pamusoro pegomo rangu dzvene rose,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
Copyright information for SnaBDSC